Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 19:19-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ”

20. Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?”

21. Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”

22. Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo.

23. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.

24. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano mupfumi kuti apinde muumambo hwaMwari.”

25. Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?”

26. Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”

27. Petro akamupindura akati, “Takasiya zvose kuti tikuteverei! Zvino tichawaneiko?”

28. Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.

29. Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi.

30. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira uye navazhinji vokupedzisira vachava vokutanga.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 19