Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 15:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

10. Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.

11. Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.”

12. Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

13. Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

14. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15. Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16. Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

17. Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!

18. Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.

19. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.

20. Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.”

21. Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.

22. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”

23. Jesu haana chaakapindura. Ipapa vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”

24. Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 15