Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 15:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.

7. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

8. “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

9. Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

10. Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.

11. Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.”

12. Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

13. Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

14. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15. Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16. Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

17. Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!

18. Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 15