Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 15:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

5. Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari,

6. haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.

7. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

8. “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

9. Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

10. Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.

11. Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.”

12. Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

13. Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

14. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15. Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16. Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 15