Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 15:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15. Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16. Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

17. Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!

18. Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.

19. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.

20. Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.”

21. Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 15