Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 14:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,

7. zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.

8. Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”

9. Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,

10. ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.

11. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro uye ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.

12. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.

13. Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.

14. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaponesa varwere vavo.

15. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”

16. Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”

17. Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”

18. Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”

19. Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi uye vadzidzi vakapa vanhu.

20. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.

21. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.

22. Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 14