Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 14:22-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.

23. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,

24. asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.

25. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.

26. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”

27. Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”

28. Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”

29. Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.

30. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”

31. Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”

32. Uye vakati vapinda mugwa, mhepo ikanyarara.

33. Zvino vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”

34. Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.

35. Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari

36. uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 14