Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 14:15-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”

16. Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”

17. Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”

18. Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”

19. Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi uye vadzidzi vakapa vanhu.

20. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.

21. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.

22. Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.

23. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,

24. asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.

25. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.

26. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”

27. Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 14