Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 13:27-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’

28. “Iye akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ ”“Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’

29. “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.

30. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ”

31. Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.

32. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi kana painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”

33. Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, igoita kuti furawa iyi ifute.”

34. Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.

35. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”

36. Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzisi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 13