Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 12:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,

10. uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”

11. Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?

12. Ko, zvino munhu akakosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”

13. Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.

14. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 12