Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 12:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.

5. Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?

6. Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.

7. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.

8. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”

9. Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 12