Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 12:13-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.

14. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.

15. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.

16. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.

17. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:

18. “Houno muranda wangu wandakasarudza,wandinoda, anondifadza;ndichaisa Mweya wangu paari,iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.

19. Haazokakavari kana kuridza mhere;hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.

20. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori,nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi,kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.

21. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”

22. Ipapo vakauya kwaari nomunhu akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.

23. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”

24. Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”

25. Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.

26. Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?

27. Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?

28. Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.

29. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba uye agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.

30. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 12