Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 12:11-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?

12. Ko, zvino munhu akakosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”

13. Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.

14. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.

15. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.

16. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.

17. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:

18. “Houno muranda wangu wandakasarudza,wandinoda, anondifadza;ndichaisa Mweya wangu paari,iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.

19. Haazokakavari kana kuridza mhere;hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.

20. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori,nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi,kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.

21. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”

22. Ipapo vakauya kwaari nomunhu akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.

23. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 12