Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 11:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?

8. Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.

9. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.

10. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’

11. “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.

12. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.

13. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.

14. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.

15. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

16. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:

17. “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’

18. “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’

19. Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 11