Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 11:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Zvino Johani ari mutorongo akanga anzwa mabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake

3. kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana kuti totarisira mumwe?”

4. Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:

5. Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.

6. Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”

7. Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?

8. Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.

9. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.

10. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’

11. “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.

12. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 11