Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 1:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Soromoni baba vaRehobhoamu,Rehobhoamu baba vaAbhija,Abhija baba vaAsa,

8. Asa baba vaJehoshofati,Jehoshafati baba vaJehoramu,Jehoramu baba vaUzia,

9. Uzia baba vaJotamu,Jotamu baba vaAhazi,Ahazi baba vaHezekia.

10. Hezekia baba vaManase,Manase baba vaAmoni,Amoni baba vaJosia,

11. naJosia baba vaJekonia navanun'una vake panguva yavaiva muutapwa muBhabhironi.

12. Vabva kuutapwa kuBhabhironi:Jekonia aiva baba vaShearitieri,Shearitieri baba vaZerubhabheri,

13. Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,Abhiudhi baba vaEriakimu,Eriakimu baba vaAzori.

14. Azori baba vaZadhoki,Zadhoki baba vaAkimu,Akimu baba vaEriudhi,

15. Eriudhi baba vaEreazari,Ereazari baba vaMatani,Matani baba vaJakobho.

16. Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17. Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.

18. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.

19. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 1