Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 1:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Eriudhi baba vaEreazari,Ereazari baba vaMatani,Matani baba vaJakobho.

16. Jakobho baba vaJosefa, uyo aiva murume waMaria, uyo akabereka Jesu, anonzi Kristu.

17. Nokudaro kwaiva nezvizvarwa gumi nezvina pamwe chete kubvira pana Abhurahama kusvika pana Dhavhidhi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pana Dhavhidhi kusvika pakutapwa kwavo vachiendwa navo kuBhabhironi, zvizvarwa gumi nezvina kubva pakudzoka kwavo kuutapwa kusvika panguva yaKristu.

18. Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu: Maria, mai vake vainge vatsidzirwa kuroorwa naJosefa, asi vasati vagara vose, achiri mhandara, akaonekwa ava napamuviri nokuda kwaMweya Mutsvene.

19. Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji.

20. Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.

21. Achava nomwana mukomana wauchazotumidza zita rokuti Jesu nokuti ndiye achaponesa vanhu vake kubva muzvivi zvavo.”

22. Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza navaprofita vake zvokuti:

23. “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”

24. Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,

25. asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 1