Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 9:39-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu panguva dzinotevera,

40. nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.

41. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.

42. “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotendeka kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.

43. Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kusingambodzimwi moto,

44. umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.

45. Uye kana tsoka yako ichiita kuti utadze, igure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri,

46. umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.

47. Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena,

48. uko“ ‘kusingafi honye dzavouye moto wacho usingadzimwi.’

49. Munhu wose acharungwa nomoto.

50. “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 9