Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 5:24-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.

25. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.

26. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.

27. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,

28. nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”

29. Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.

30. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

31. Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”

32. Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.

33. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.

34. Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”

35. Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”

36. Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”

37. Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani munun'una waJakobho.

38. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.

39. Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 5