Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni

1. Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGeraseni.

2. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.

3. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.

4. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.

5. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.

6. Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira pamabvi ake mberi kwake.

7. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari woWokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”

8. Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”

9. Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”

10. Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.

11. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.

12. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”

13. Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.

14. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.

15. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.

16. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga akabatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.

17. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.

18. Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.

19. Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”

20. Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.

Musikana Akanga Afa noMukadzi Airwara

21. Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.

22. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake

23. uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.”

24. Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.

25. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.

26. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.

27. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,

28. nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”

29. Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.

30. Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”

31. Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ ”

32. Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.

33. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.

34. Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”

35. Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”

36. Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”

37. Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani munun'una waJakobho.

38. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.

39. Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”

40. Asi vakamuseka.Asi akavabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, vakapinda makanga muno mwana.

41. Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)

42. Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.

43. Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.