Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 3:20-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uyezve vazhinji vakaungana, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.

21. Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”

22. Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.”

23. Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?

24. Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira.

25. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira.

26. Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika.

27. Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.

28. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.

29. Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.”

30. Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.”

31. Ipapo mai vaJesu navanun'una vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze.

32. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vari kukutsvakai panze.”

33. Iye akati, “Vanamai vangu navanun'una vangu ndivanaaniko?”

34. Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu!

35. Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye munun'una wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 3