Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 2:20-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Asi nguva ichasvika ichabviswa chikomba kwavari, uye pazuva iroro vachatsanya.

21. “Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.

22. Uye hakuna munhu anodira waini itsva muhombodo dzamatehwe tsaru. Kana akaita izvozvo, waini ichaputitsa matehwe, uye zvose waini nedehwe rewaini zvichaparara. Kwete, anodira waini itsva muhombodo itsva.”

23. Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achipfuura nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakati vachifamba naye, vakatanga kutanha hura dzezviyo.

24. VaFarisi vakati kwaari, “Tarirai, seiko vachiita zvisingatenderwi nomusi weSabata.”

25. Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 2