Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15:29-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,

30. chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”

31. Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!

32. Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.

33. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

34. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”

35. Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”

36. Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.”

37. Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 15