Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.

28. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”

29. Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,

30. chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”

31. Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 15