Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15:18-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”

19. Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata.

20. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

21. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.

22. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorokota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).

23. Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.

24. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.

25. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.

26. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.

27. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.

28. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 15