Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.

2. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”

3. Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.

4. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”

5. Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.

6. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.

7. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.

8. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.

9. Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”

10. achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake.

11. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.

12. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 15