Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 13:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,

4. “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”

5. Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.

6. Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.

7. Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.

8. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwokurwadziwa kwokusununguka.

9. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.

10. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.

11. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.

12. “Mukoma achaurayisa munun'una, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.

13. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

14. “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 13