Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 12:35-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

35. Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?

36. Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:“Gara kuruoko rwangu rworudyikusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’

37. Davhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?”Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.

38. Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba nenguo refu uye vachikwaziswa mumisika,

39. uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

40. Vanopedza dzimba dzechirikadzi uye vanoita munyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 12