Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mufananidzo waVarimi Vakaipa

1. Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo achiti, “Mumwe murume akasima munda wemizambiringa. Akaukomberedza noruzhowa, akachera gomba rechisviniro chewaini uye akavaka shongwe yokurinda. Ipapo akauchengetesa kuvarimi uye akaenda parwendo.

2. Pakukohwa akatuma muranda kumuchengeti womunda kuti andotora kwavari zvimwe zvemichero yomunda wemizambiringa.

3. Asi vakamubata, vakamurova vakamudzosa asina chinhu.

4. Ipapo akatuma mumwe muranda; vakarova murume uyu mumusoro vakamunyadzisa zvikuru.

5. Akapamhazve kutuma mumwe, uye uyo vakamuuraya. Akatuma vamwe vazhinji; vamwe vavo vakavarova, vamwe vakavauraya.

6. “Akanga asara nomumwe chete wokutuma, mwanakomana, uyo waaida kwazvo. Akamutuma kwokupedzisira achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’

7. “Asi vachengeti vakataurirana vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, nhaka igova yedu.’

8. Saka vakamutora vakamuuraya, vakamurasira kunze kwomunda wemizambiringa.

9. “Zvino muridzi womunda wemizambiringa achaiteiko? Achauya agouraya vachengeti vaya vomunda agopa munda wemizambiringa kuna vamwe.

10. Ko, hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti:“ ‘Dombo rakarambwa navavakindiro rava musoro wekona;

11. Ishe akaita izvi,uye zvinoshamisa pamberi pedu’?”

12. Ipapo vakatsvaka nzira yokumusunga nayo nokuti vakaziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu vazhinji; saka vakamusiya vakaenda.

Kuripa Mutero kuna Kesari

13. Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake.

14. Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete?

15. Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?”Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.”

16. Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?”Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

17. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.”Uye vakashamiswa naye.

Kuwanana paKumuka kwaVakafa

18. Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.

19. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa uye akasiya mukadzi asi asina vana, munun'una wake anofanira kuwana chirikadzi uye amutsire mukoma wake vana.

20. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana.

21. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu.

22. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo.

23. Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?”

24. Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari?

25. Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga.

26. Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho?’

27. Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!”

Murayiro Mukuru

28. Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?”

29. Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, Ishe ndiye mumwe chete.

30. Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’

31. Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.”

32. Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake.

33. Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.”

34. Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Kristu Mwanakomana Waani?

35. Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?

36. Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:“Gara kuruoko rwangu rworudyikusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’

37. Davhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?”Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.

38. Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba nenguo refu uye vachikwaziswa mumisika,

39. uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

40. Vanopedza dzimba dzechirikadzi uye vanoita munyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.”

Chipo cheChirikadzi

41. Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji.

42. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku.

43. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose.

44. Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”