Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 11:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage nokuBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake,

2. achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano.

3. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ”

4. Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,

5. vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”

6. Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.

7. Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.

8. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.

9. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”

10. “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”

11. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

12. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

13. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.

14. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Uye vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 11