Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 1:7-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.

8. Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”

9. Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.

10. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.

11. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”

12. Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,

13. uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.

14. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.

15. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”

16. Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.

17. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

18. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

23. Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,

24. “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani– ndimi Mutsvene waMwari!”

25. Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 1