Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira

1. Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

2. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi:“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,uyo achagadzira nzira yako,”

3. “inzwi rounodana murenje, richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”

4. Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.

5. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.

6. Johani aipfeka nguo dzamakushe engamera, nebhanhire reganda muchiuno chake, uye aidya mhashu nouchi hwesango.

7. Uye iyi ndiyo yakanga iri mharidzo yake: “Shure kwangu kuchauya mumwe ane simba kupfuureni wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake.

8. Ndinokubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene.”

Kubhabhatidzwa noKuedzwa kwaJesu

9. Panguva iyoyo Jesu akauya achibva kuNazareta muGarirea uye akabhabhatidzwa naJohani muJorodhani.

10. Jesu paakanga ava kubuda mumvura, akaona denga richizarurwa uye Mweya achiburukira pamusoro pake senjiva.

11. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”

12. Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,

13. uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

14. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.

15. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”

16. Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.

17. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

18. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

Jesu anodzinga Mweya Wakaipa

21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

23. Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,

24. “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani– ndimi Mutsvene waMwari!”

25. Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”

26. Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.

27. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”

28. Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.

Jesu anoporesa vazhinji

29. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.

30. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.

31. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.

32. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.

33. Guta rose rakaungana pamukova,

34. uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

Jesu anonyengetera ari oga

35. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.

36. Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka,

37. uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!”

38. Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.”

39. Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni.

Murume akanga ana maperembudzi

40. Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.”

41. Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!”

42. Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa.

43. Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti,

44. “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.”

45. Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.