Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 1:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

23. Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,

24. “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani– ndimi Mutsvene waMwari!”

25. Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”

26. Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.

27. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”

28. Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 1