Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 1:15-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”

16. Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.

17. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

18. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

23. Pakarepo mumwe munhu akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti,

24. “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani– ndimi Mutsvene waMwari!”

25. Jesu akamurayira akati, “Nyarara! Buda maari!”

26. Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru.

27. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.”

28. Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea.

29. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea.

30. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo.

31. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira.

32. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni.

33. Guta rose rakaungana pamukova,

34. uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani.

35. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 1