Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 1:11-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Uye inzwi rakauya richibva kudenga richiti, “Ndiwe Mwanakomana wangu, wandinoda, wandinofarira kwazvo.”

12. Pakarepo Mweya akamutumira kurenje,

13. uye akanga ari murenje kwamazuva makumi mana, achiedzwa naSatani. Akanga ari pamwe chete nemhuka dzesango uye vatumwa vakamushandira.

14. Mushure mokunge Johani aiswa mutorongo, Jesu akaenda kuGarirea, achiparidza vhangeri raMwari.

15. Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!”

16. Jesu paakanga achifamba pamahombekombe eGungwa reGarirea, akaona Simoni nomunun'una wake Andirea vachikanda usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove.

17. Jesu akati, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.”

18. Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo vakamutevera.

19. Akati afamba chinhambwe zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani vari mugwa, vachigadzira usvasvi hwavo.

20. Haana kunonoka, akavadana, uye vakasiya baba vavo, Zebhedhi mugwa vaine vashandi vavo, vakamutevera.

21. Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa.

22. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 1