1. Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari.
2. Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi:“Ndichatuma nhume yangu mberi kwako,uyo achagadzira nzira yako,”
3. “inzwi rounodana murenje, richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”
4. Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi.
5. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusarema vakaenda kwaari. Vachireurura zvivi zvavo, vakabhabhatidzwa naye muRwizi rweJorodhani.