Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 9:10-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. MuDhamasiko makanga muno mudzidzi ainzi Ananiasi. Ishe akati kwaari muchiratidzo, “Ananiasi!”Iye akapindura akati, “Ndiri pano Ishe.”

11. Ishe akati kwaari, “Enda kumba kwaJudhasi panzira inonzi Nzira Yakarurama undobvunza murume anonzi Sauro anobva kuTasasi, nokuti ari kunyengetera.

12. Akaona muchiratidzo murume anonzi Ananiasi achiuya kwaari akaisa maoko ake pamusoro pake kuti aonezve.”

13. Ananiasi akapindura akati, “Ishe, ndakanzwa mashoko akawanda pamusoro pomurume uyu, uye zvakaipa zvose zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema.

14. Uye akauya kuno nemvumo yakabva kuvaprista vakuru yokuti asunge vose vanodana kuzita renyu.”

15. Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pavahedheni napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri.

16. Ndichamuratidza kuti anofanira kutambudzika sei nokuda kwezita rangu.”

17. Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.”

18. Pakarepo, chinhu chakaita samakwati chakabva pameso aSauro, akagona kuonazve. Akasimuka akabhabhatidzwa,

19. uye shure kwokunge adya zvokudya, akavazve nesimba.Sauro akagara navadzidzi paDhamasiko kwamazuva mazhinji.

20. Pakarepo akatanga kuparidza musinagoge kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

21. Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?”

22. Asi Sauro akanyanya kuva nesimba akakunda vaJudha vaigara muDhamasiko achivaratidza kuti Jesu ndiye Kristu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 9