Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:5-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.

6. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.

7. Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.

8. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.

9. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita un'anga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,

10. uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba Guru raMwari.”

11. Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.

12. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.

13. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.

14. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari.

15. Vakati vasvika, vakavanyengeterera kuti vagamuchire Mweya Mutsvene,

16. nokuti Mweya Mutsvene akanga asati auya pamusoro paani zvake wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu.

17. Ipapo Petro naJohani vakaisa maoko pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.

18. Simoni akati aona kuti Mweya Mutsvene waipiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akavapa mari

19. akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”

20. Petro akapindura akati, “Mari yako ngaiparare pamwe chete newe, nokuti wakafunga kuti ungatenga chipo chaMwari nemari!

21. Iwe hauna chikamu kana mugove muushumiri uhu, nokuti mwoyo wako hauna kunaka pamberi paMwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8