Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:2-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.

3. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.

4. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.

5. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.

6. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.

7. Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.

8. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.

9. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita un'anga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,

10. uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba Guru raMwari.”

11. Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.

12. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.

13. Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.

14. Vapostori vaiva muJerusarema vakati vanzwa kuti vaSamaria vagamuchira shoko raMwari, vakatumira Petro naJohani kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8