Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 8:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake.Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria.

2. Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru.

3. Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo.

4. Vaya vakanga vaparadzirwa vakaparidza shoko kwose kwose kwavaienda.

5. Firipi akaburuka akaenda kuguta raiva muSamaria akaparidza Kristu ikoko.

6. Vanhu vazhinji vakati vanzwa Firipi uye vakaona zviratidzo zvaakaita, vose vakanyatsoteerera kune zvaaitaura.

7. Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.

8. Nokudaro kwakava nomufaro mukuru muguta iro.

9. Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita un'anga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru,

10. uye vanhu vose kubva kuna vakakwirira kusvikira kuna vari pasi pasi, vaimuteerera vachiti, “Munhu uyu ndiye simba Guru raMwari.”

11. Vaimutevera nokuti akanga avashamisa kwenguva refu namashiripiti ake.

12. Asi vakati vatenda Firipi sezvo aiparidza vhangeri roumambo hwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, vose varume navakadzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 8