Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 5:10-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Pakarepo akawira pasi, patsoka dzake akabva afa. Ipapo majaya akapinda uye akamuwana afa, akamutakura akaenda naye kunze akandomuviga parutivi rwomurume wake.

11. Kutya kukuru kwakabata kereke yose navose vakanzwa zvinhu izvi.

12. Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni.

13. Hakuna munhu akatsunga kubatana navo kunyange zvazvo vakanga vachikudzwa zvikuru navanhu.

14. Zvisinei hazvo, varume vazhinji navakadzi vakatenda kuna She uye ivo vakawedzera uwandu.

15. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vakauya navairwara munzira dzomumisha vakavaradzika pamibhedha napahukwe vachiitira kuti mumvuri waPetro ungawira pana vamwe vavo paainge ava kupfuura napavari.

16. Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.

17. Ipapo muprista mukuru navamwe vose vaaiva navo, avo vakanga vari nhengo dzebato ravaSadhusi, vakazadzwa negodo.

18. Vakasunga vapostori vakavaisa mujeri.

19. Asi mutumwa waShe akauya usiku akazarura mukova wejeri akavabudisa,

20. akati, “Endai, munoudza pamavazhe etemberi, mundoudza vanhu mashoko ose oupenyu hutsva uhu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 5