Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 4:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume vakasvika zviuru zvinenge zvishanu pauwandu.

5. Fume mangwana, vabati, vakuru navadzidzisi vomurayiro vakasangana muJerusarema.

6. Anasi muprista mukuru aivapo, uye Kayafasi Johani, Arekizanda navamwe varume vemhuri yomuprista mukuru vaivapowo.

7. Vakaita kuti Petro naJohani vauyiswe pamberi pavo vakatanga kuvabvunza vachiti, “Makaita izvi nesimba raani kana kuti nezita raani?”

8. Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu,

9. kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei,

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 4