Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 4:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndiye“ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki,rakazova musoro wekona.’

12. Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

13. Vakati vachiona kusatya kwaPetro naJohani uye vachiziva kuti vakanga vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakakatyamara uye vakarangarira kuti varume ava vaiva naJesu.

14. Asi vachiona murume akanga aporeswa amire navo ipapo, havana chavakagona kutaura.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 4