Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 27:24-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye Mwari nenyasha akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’

25. Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.

26. Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”

27. Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika.

28. Vakatora zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti mvura yakanga yakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.

29. Nokutya kuti vangabondera paruware, vakabva vadzikisa zvibatiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza.

30. Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe.

31. Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.”

32. Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.

33. Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.

34. Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.”

35. Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya.

36. Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya.

37. Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.

38. Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda zviyo mugungwa.

39. Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.

40. Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadimburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri.

41. Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 27