Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 26:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda.

27. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”

28. Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”

29. Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”

30. Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo.

31. Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.”

32. Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 26