Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 26:21-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya.

22. Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika,

23. kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokuvaHedheni.”

24. Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.”

25. Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka.

26. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda.

27. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”

28. Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”

29. Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 26