Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 21:26-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Zuva rakatevera Pauro akatora varume vaya uye akazvinatsa pamwe chete navo. Ipapo akaenda kutemberi kundozivisa kupera kwamazuva okuzvinatsa uye chipiriso chichizoitirwa mumwe nomumwe wavo.

27. Mazuva manomwe akati oda kupera, vamwe vaJudha vaibva kuEzhia vakaona Pauro patemberi. Vakamutsa vanhu vazhinji uye vakamubata,

28. vachishevedzera vachiti, “Varume veIsraeri, tibatsirei! Uyu ndiye murume anodzidzisa vanhu kwose kwose zvinopesana navanhu vokwedu, murayiwo wedu uye nenzvimbo ino. Zvisati zviri izvozvo zvoga, akapinza vaGiriki muruvanze rwetemberi akasvibisa nzvimbo iyi tsvene.”

29. (Nokuti vakanga vamboona Tirofimo muEfeso ari muguta pamwe chete naPauro vakafunga kuti Pauro akanga apinda naye mutemberi.)

30. Guta rose rakamutswa, uye vanhu vakauya vachimhanya vachibva kumativi ose. Vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetemberi, pakarepo masuo akazarirwa.

31. Pavakanga vachiedza kumuuraya, shoko rakasvika kumukuru wehondo yeuto ravaRoma richiti guta rose reJerusarema rakanga raita bope.

32. Pakarepo iye akatora mamwe machinda navarwi akamhanyira kuvanhu. Vaiti vebongozozo vakati vachiona mukuru wamauto ana varwi vake, vakabva varega kurova Pauro.

33. Mukuru wamauto akauya akasunga Pauro uye akarayira kuti asungwe nengetani mbiri. Ipapo akamubvunza kuti akanga ari ani uye kuti akanga aitei.

34. Vamwe vaiva pakati pavanhu vazhinji ava vakadanidzira, mumwe ichi, mumwe icho, uye sezvo mukuru wamauto akanga asingagoni kusvika pachokwadi chenyaya nokuda kwebope, akarayira kuti Pauro aiswe kudzimba dzavarwi.

35. Pauro akati asvika pamatanho, bongozozo ravanhu rakanga rakurisa zvokuti akaita zvokutotakurwa navarwi.

36. Vanhu vazhinji vaimutevera vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaaurayiwe!”

37. Varwi pavakanga vava kuda kupinza Pauro mudzimba dzavarwi, akakumbira mukuru wavarwi akati, “Ndingataurawo nemi here?”Iye akati, “Unotaura chiGiriki here?

38. Ko, hauzi uya muIjipita akamutsa bope, akatungamirira zviuru zvina zvavapanduki mugwenga nguva dzakapfuura here?”

39. Pauro akapindura akati, “Ini ndiri muJudha anobva kuTasasi kuSirisia, munhu weguta rakakurumbira. Ndapota regai nditaure kuvanhu.”

40. Akati apiwa mvumo nomukuru wavarwi, Pauro akamira pamatanho akaninira vanhu noruoko rwake. Uye vakati vanyarara vose, akati kwavari nechiHebheru:

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 21