Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 19:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aporosi paakanga achiri paKorinde, Pauro akafamba nomugwagwa wakanga uchipinda nomukati menyika akasvika paEfeso. Akawana vamwe vadzidzi ipapo

2. akavabvunza akati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakatenda?”Ivo vakapindura vakati, “Kwete, hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene isu.”

3. Saka Pauro akavabvunza akati, “Zvino makagamuchira rubhabhatidzo rupi?”Vakapindura vakati, “Rubhabhatidzo rwaJohani.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 19