Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 16:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

15. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Uye akatikumbirisa tikatenda.

16. Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengetera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Iye aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”

18. Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 16