Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 15:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. kuti vakasara vavanhu vatsvake Ishe,uye navaHedheni vose vanodanwa nezita rangu,ndizvo zvinotaura Ishe, anoita zvinhu izvi,’

18. zvakangova zvazivikanwa kubva kare.

19. “Naizvozvo, kufunga kwangu ini ndinoti hatifaniri kuomesera vaHedheni ava vari kutendeukira kuna Mwari.

20. Asi ngativanyorerei tsamba tichivataurira kuti varege kudya zvakasvibiswa nezvifananidzo, vabve paupombwe, nokudya nyama yemhuka dzakadzipwa, uye neropa.

21. Nokuti kubva kare Mozisi akanga achiparidzwa muguta rimwe nerimwe uye anoverengwa musinagoge paSabata rimwe nerimwe.”

22. Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 15